Psalms 73

BHUKU 3

Mapisarema 73–89

Pisarema raAsafi.

1Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri,
kuna avo vakachena pamwoyo.

2Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza;
ndakasara paduku kupunzika.
3Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza,
pandakaona kubudirira kwavakaipa.

4Havatambudziki;
miviri yavo ino utano uye vakasimba.
5Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu;
havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.
6Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo;
vanozvishongedza nechisimba.
7Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo;
mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.
8Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo,
vanoti vachadzvinyirira vamwe.
9Miromo yavo inoti denga nderavo,
uye ndimi dzavo dzinotora nyika.
10Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari,
uye vanonwa mvura yakawanda.
11Vanoti, “Mwari angazviziva sei?
Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

12Ndizvo zvakaita vakaipa,
havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.

13Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina;
ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
14Zuva rose ndanga ndichitambudzwa;
ndinorangwa mangwanani ose.

15Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,”
ndingadai ndakapandukira vana venyu.
16Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose,
zvakandiremera kwazvo
17kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari;
ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza;
makavakanda pasi kuti vaparare.
19Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe,
vanopedzwa chose nezvinotyisa!
20Sezvakaita kurota panopepuka munhu,
saizvozvo pamunomuka, imi Ishe,
muchavashora savanhu vanorotomoka.

21Mwoyo wangu pawakachema
uye mweya wangu ukashungurudzika,
22ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi;
ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.

23Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose;
munondibata noruoko rwenyu rworudyi.
24Munondisesedza nezano renyu,
uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.
25Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi?
Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.
26Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo,
asi Mwari isimba romwoyo wangu
nomugove wangu nokusingaperi.

27Avo vari kure nemi vachaparara;
munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.
28Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari.
Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu;
ndichataura zvamabasa enyu ose.
Copyright information for SnaBDSC